ISU TINORWA NASATAN’
1. Isu tinorwa naSatan’
Tichakunda ! Tichakunda !
Vanhu vachanzwirwa tsitsi.
Tichakunda ! Tichakunda!
Kunyange avo vatadzi,
Ngavazive M’ponisi,
Kuti vagonzwirwa tsitsi;
Tichakunda ! Tichakunda!
Ngativheyese mureza
Mudenga pam’soro pedu,
Neropa raJesu wedu;
Tichakunda ! Tic hakunda!
2. Kunyange Satan’ asimbe,
Tichakunda ! Tichakunda !
Tichiedzwa misi yose,
Tichakunda ! Tichakunda!
Muna Kristu tinovimba,
Muzita rake tinorwa;
Tagadzira kum’shandira;
Tichakunda ! Tichakunda!
3. Mumadutu oupenyu,
Tichakunda ! Tichakunda!
Murima nezvinotyisa,
Tichakunda ! Tichakunda!
Tonzwa izwi rake, Ishe,
Mukutinhira kwehondo
Achiti : mirai nesimba,
Muchakunda ! Muchakunda!
VII
KUGAM’CHIRWA KWEMAUTO