WANGU
A Melody In My Heart
1.
Ndiri kuimba mumwoyo wangu,
Rumbo rwounza kufara,
Mutoro wangu wakabiswa,
Zuva ’ro rinofadza.
Mumwoyo wangu,
Ndiri kuimba mumwoyo wangu
Mutoro wezvakaipa wakabiswa
Ndiri kuimba mumwoyo wangu.
3.
2.
Nzira yopenya nguva dzose,
Chishamiso kuti ndasandurwa,
Norufaro, norugare,
Rudo rwake harugume,
Mutoro wanguwo wezvivi,
Murenje’mo rwakandiwana,
Wabiswa paKarivhari,
Mwoyo wangu wofara.