1. Jesu, Ishe ndinokunda nemi;
Ndinokunda! Ndinokunda!
Mudi wemweya, ndokunda nemi;
Ndinokunda ! Ndinokunda!
Hamunganunure m’tadzi seni?
Hamuna kunditambudzikira?
Makandifira paMuchinjikwa,
Ndinokunda ! Ndinokunda!
2. Hungu, Ishe ndinopira mwoyo
Ndinokunda! Ndinokunda!
Ndichabva kune zvinondisunga,
Ndinokunda ! Ndinokunda!
Ndofara kuti ndikushandire,
Zvose patsoka dzenyu ndoisa,
Ndovimba, ndichirwa kumagumo,
Ndinokunda ! Ndinokunda!
3. Ndichiimba ndichave mukundi,
Ndinokunda ! Ndinokunda!
Ruponiso ruzhinji nderwangu,
Ndichakunda ! Ndichakunda!
Ndofamba ndoshambidzwa muropa.
Mumaoko enyu ndochengetwa,
Murudo rwenyu ini ndinorwa,
Ndinokunda ! Ndinokunda!
4. Pakuguma, ndouya kudenga,
Ndinokunda ! Ndinokunda!
Vose vopembera ndichiuya;
Ndinokunda ! Ndinokunda!
Ngirozi nevatsvene voimba,
Ndichipinda muumambo hwaShe.
Nezwi guru ndoimba kudenga;
Ndazokunda ! Ndazokunda!