Ndichitaura,
Kwamuri, Ishe;
Ndakarurama here?
Mponisi ndiudza.
Ndadududza here?
Kana kuchengeta
Zvose zvamakandipa, ‘She
Muchandisimbisa.
2.
Ndine mwoyo here,
Wakashambidzika,
Hana inonyenyeredza
Zvose zvinonyadza?
3.
Ndinotsunga here,
Sezvandaiita,
Mukuparidza matama
Kuna vakatadza?
4.
Kana ndatadza, ‘She,
Handichaita zve;
Ndichatenda simba renyu
Richanditsvenisa.
5.
Pane zvoda mwoyo wangu,
Mweya zvowopfuura;
Noruvimbo ndonogutswa,
Mweya zvowopfuura;
Zvino ndavakuzviona
Zvandichazova ini,
Chisimbiso ndapiwa
Mweya zvowopfuura.
1.