1. Pane nzira ine minzwa
Neduku yakananga,
Inonzi nzira yebasa;
Inoenda kudenga.
Tichafamba munzira’yo,
Towana zvatinoda,
Parukova rwetsitsi
DzaMwari rwunoyerera.
Nenzira yebasa
Dzoyerera ngoni dzaMwari;
Nenzira yebasa
Dzoyerera ngoni dzaMwari.
2. Ndiyo nzira youtsvene,
Inzira yorufaro;
Kunyangwe ine matombo
Nenhamo nezvinetso,
Asi nzira ’yo yebasa
Yakafambwa naTenzi,
Norudo runoratidza
Nzira yokunaMwari
3. Ngatifambe nayo nzira
Takatarisa zuva;
Totakura nhamo dzedu,
Tipedze zvatatanga.
Rwizi rwengoni dzaMwari
Rwoyerera panzira,
Tinganwe tisimbaradzwe
Kumitoro yemisi.