Zuva guru raSHE rouya,
Tichanzwa zavirira rake.
Vatsvene navatumwa vose
Vachauya vachipururudza.
KOROSI
Vachadana vanhu
Vakasunungurwa naJesu.
Vachanzi: Chiuyai, chipindai!
Mumufaro waSHE.
Ndudzi dzose dzichauyawo
Kuzomira pamberi pake
Vachabvunzwa mibato yavo
Vagopiwa mubairo wavo.
Vakaramba kutenda Jesu
Navakapandukira ISHE,
Vachahuta pamberi pake
Vatongerwa kuparadzwa kwavo.
Hama dzangu mose teererai!
Rangarirai zuva raJesu.
Uchatikokera achiti:
Vadikanwa chiuyai, chipindai!