Vanhu, taponerwa
Muchengeti wedu,
Mai vake mhandara,
Iyo yakachena.
Wakaita Mweya
Nenji guru pano:
Shoko dzvene raSHE
Rava nyama sesu.
Iye wakaberekwa
Pasina kutadza.
Unosenga zvivi
Zvedu, zvavatadzi
Wabvawo kudenga
Norugare rwake.
M'faro unovapa
Vose vanotenda.
Une simba guru
Rokubata ushe,
Uchakunda pfumo,
Rufu rwakaipa.
Ngaaongwe Kristu
Wakatiraramisa.
Shoko rake chinzwai
Pamativi ose!