Tsime romufaro wose!
Mwoyo wokuo.....nga
Chindipai mazuva ose,
Ndigomurumbi.....dza.
Ino Ebenez’re yangu!
Mandisvitsa pa.....no.
Bambo ndisesedzwe hangu
Ndigosvika u.....ko.
Jesu ndiwakanditsvaka,
Ndanga ndarashi.....ka;
Wakandiripire mhaka,
Ndiwakandifi.....ra.
Nyasha dzenyu dzakurisa,
Dzondipavhuri.....ra;
Ndidzo dzichandisimbisa
Kumunamati.....ra.
Bambo, ndinoziva hangu,
Ndinosimusi.....ya:
Bva ndomupa mwoyo wangu,
Mugouchenge.....ta.