SHE wendudzi dzose,
Tinomuuchira,
Tendai tichimuimbira!
Makasika vose,
Zvose zvose zvenyu,
Isu tiri vanhu venyu.
Jesu SHE
Mutinzwei,
Tichimutambira,
Tichimushumira.
Vokudenga vose,
Ongai Tenzi wenyu,
Nokunatsa nziyo dzenyu!
Timukudze tose,
Zuva, uye mwedzi!
Nyeredzi, tendaiwo nemi!
Chipindai,
Muchidai!
Zvose zvapanyika,
Kudzo igonzika!
Newe mwoyo wangu,
Vamba rwiyo rwako
Namasimba ako ose!
Nemi, hama dzangu,
Swederai pedyo,
Tirumbidze Tenzi wedu!
Chiitai
Savanyai!
Imi, ndudzi dzose,
Mumuonge mose!
Norugare rwenyu,
Imi, Tenzi wedu,
Ruvewo mukati medu!
Hareruya yenyu
Tichazoigona
Musi watichamuonai;
Tipeizve
Nyasha, SHE!
Nomufaro wenyu,
Isu, vanhu venyu!