She Murisi wangu
Wakaisvonaka,
Wondipavhurira,
Ndigosashayiwa
Nyange mvura mhenyu
Yokupedza nyota,
Nyangwe namafuro
Pandinonzwa nzara.
Haangatenderi.
Kuti ndirashike.
Unondifambisa
Pakagadzikana.
Ndinovaraidzwa
Napanhamo dzose,
Nyange napakufa
Handingatyi une ’ni.
Shoko rake svimbo
Inondinyaradza.
Pandinovengiwa
Ndinofadzwa naye.
Ndichambowanzirwa
Nyasha ndichi pano,
Ndokuzogariswa
Mumba maJehova.