RCZ Hymn 100

Nyararai henyu,
Vana vaSHE!
Zvigadzei mwoyo.
Shungu dzipwe!
Musazotya,
SHE unonzwa;
Chikumbirai,
Uchamupai;
Munhamo dzose
Danidzirai;
:/: Wogona zvose,
Unomunzwai! :/:

Togara hedu,
Tiri vaSHE!
NdiBambo vedu,
Shungu dzipwe;
Tichagotyei?
Tichachemei?
Timutendei,
Wotida sei!
Jesu, SHE wedu,
Tichengetei;
:/: Munhare yedu
Mutivanzei! :/:

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.