Ndinomuda, ndinomuda!
Ndimi SHE wandinoda;
Kare ndanga ndarashika;
Ndichitsvaka zvomunyika;
Zvino fuma huru yangu
Ndimi, Muponesi wangu!
Ndinomuda, ndinomuda!
Ndimi SHE wandinoda!
Ndinomuda, ndinomuda!
Ndimi SHE wandinoda!
Kare ndanga ndanetsiwa
Nomufaro ndaishayiwa;
Zvino Jesu wandidana,
Wakazondiita mwana.
Ndinomuda, ndinomuda!
Ndimi SHE wandinoda!
Ndinomuda, ndinomuda!
Ndimi SHE wandinoda!
Jesu mundiudze kwazvo
Zvandingamufadza nazvo;
Ndidzidzeiwo misi yose!
Ndigomupa mwoyo wose.
Ndinomuda, ndinomuda!
Ndimi SHE wandinoda!