Ndinomuchema, Muponesi wangu,
Zvandaremerwa namangava angu,
Hakuna mumwe ungandiponesa
Wandinoziva.
Naizvozvo ndauya mberi kwenyu,
Zvandinosinzwa riya Shoko renyu,
Rinotiudza zvamatiitira,
Muchitifira!
Makandifira, ini ndakatadza,
Ndakamunetsa, imi mandifadza;
Ndakamuramba, imi manditsvaka,
SHE wakanaka!
SHE wangu, Jesu, makandida sei!
Nenyasha yenyu ndaiona ne-i
Ndikaponeswa nounyoro hwenyu
Nokuda kwenyu!
SHE, ndibate-i noruoko rwenyu,
Mundichengete, ini, mwana wenyu,
Mupinde, ndamuzarurira mwoyo,
Jesu, SHE wangu!