Ndifuwisei, Wede.....nga,
Mibato, ya.....ngu;
Ndisvinudzei, ndio.....ne
Kushata kwa.....ngu.
Chikwashisai mwoyo wangu,
Munondizi.....va;
Munditaridze zva.....ngu,
Ndigozvise.....ma.
Chivenekai chifu.....va
Nehana ya.....ngu;
Mundibetsere ku.....nzwa
Kuipa kwa.....ngu.
Mifungo, SHE, muidze,
Mashoko o.....Se;
Mis’ yose ndimuku.....dze
Nomwoyo wo.....se.
Chifuwisai mwoyo wangu,
Unake cho.....se,
Musuke zvivi zva.....ngu,
Zvigobva zvo.....se.