Ndachinya; SHE, ndoripa nei?
Handine zvose, ndoitei?
Zvamandifira, ndichatyei?
Ndouya ndakadai!
Ndachinya; ndakashata sei!
Bva zvino ndichagarirei?
Neropa renyu ndirwirei,
Ndouya ndakadai!
Ndachinya; ndigamuchirei.
Nekanganwiro mundipei;
Ndotenda shoko renyu sei!
Ndouya ndakadai!
Ndachinya; rudo rwenyu, SHE,
Runondinatsa mwoyozve,
Runongondipa rugare;
Ndouya ndakadai.
Ndachinya; misi yose SHE.
Kwomuri ndichauyazve,
Upenyu hwose ndimupei;
Ndouya ndakadai!