Munhu ha’ngawani rugare
Asingatsvaki nesimba
Hama, ngaurwire upenyu
Husingatongoperi!
Rakamanikana suo ’rero,
Nzira inozova nhete iyo.
Utsungise mwoyo, urwirewo
Ugosarasha upenyu.
Denga routsvene robwinya,
Ngaurishingairire.
Ichazovaima korona
Inofanirwa kushuva
Saka uchimuka, uchenjere.
Uzvigadzirire kutongeswa.
Hazu dzakachena ufuke’dzo
Kuti upinde mutambo.
Haungazopindi kudenga
Usingatendi zvokwadi.
Tenda, iwe, shoko rarebwa
Naye, SHE wedu munyoro.
Haungawaniko zvomufaro
Usino kutenda kuna Jesu.
Saka tendeuka, terera SHE,
Nhambo yorwisa kupera!
She wodana vose venyika:
“Vanhu rwirai upenyu!”
Ungawana fuma dzenyasha,
Chinyi chichazokukona?
Bambo vokudenga vanokuda
Jesu woguhudza, uzarure,
Mweya wokumutsa, chimuka ’we.
Ugozofara wamuka!