Mbira dzinorira,
Vanoimbazve;
Suwo rakashama
Panopinda SHE;
Jesu wakakwira,
Mukudenga’mo;
Unogwadamirwa
Navagereko.
KOROSI
Zvose zvakapera,
Ngatiimbezve:
‘Jesu wakakwira,
‘Ngatikudze SHE!”
Ndiye watifira,
Wakarwire’su;
Zvino wokudziwa,
Worumbidzwapo.
Ha’ chazokundiwi,
Kristu Jesu SHE;
Nhamo ha’zozivi
Nyange kufazve.
Unonyengetera
Zvino, aripo;
Unoshovedzera
Vanhu vakewo!
Unogadzirira
Vana vake’po;
Vanomushumira
Vachaendako.