Mandidana, Jesu SHE,
Ndanyara sei,
Ndinouya zvino, SHE,
Ndizorodzei.
KOROSI
Doturai, chibvisai
Zvivi zvangu zvose,
Chiuyai, chinatsai
Mwoyo wangu wose.
Ndakatsvaka pose, SHE,
Kuyamurwa,
Ndikasha’iwa chose, SHE,
Kunyaradzwa.
Ndinodisa, Jesu SHE,
Kusukiwa,
Mwoyo wangu nhasi, SHE,
Kucheneswa.