Makashananguka, munesimba guru!
Tichamuimbira, SHE, mazuva o.....se;
Makashananguka munenyasha huru!
Bambo, noMwana, uye Mweya!
Makashananguka! vose vokudenga
Vanomukudzisako vachigwada.....ma;
Vokubwinya vose vanomurumbidza,
Ndimi musina kuzogu.....ma
Makashananguka! nyange madzitirwa,
Meso edu ha'muoni; tinezvivi;
Imi moga moga, hakuchino mumwe,
Mwene wesimba, uye ru.....do.
Makashananguka, mune simba guru!
Zvose zvichamukudzai panyika yo.....se;
Makashananguka, mune nyasha huru!
Bambo, noMwana, uye Mwe....ya!