Kana nhamo zhinji dzokukomba,
Iwe uchityawo kuparadzwa,
Rava zvose zvawakambopiwa,
Uchaona zvawakaitirwa.
KOROSI
Rava zvose zvaakakupa,
Funga zvose zvaakaita;
Rava zvose, chiverenga;
Uchazokanuka zvawakapiwa.
Kana mwoyo wako waremerwa,
Ukazokoniwawo musengwa,
Dzinga nyunyutiro, chiverenga
Komborero dzaSHE dzaakupa.
Kana uchiona vakafuma,
Rangarira zvawakavigirwa:
Funga wakandokugadzirira
Fuma yako zhinji pakudenga.