Jona enda kuNinive,
Ndizvo zvakareva Mwari. (x4)
Asi Jona wakatiza,
Akasaterera Mwari. (x4)
Dutu guru rakamuka.
Vomuchikepe vakatya. (x4)
Asi Jona anga avete,
Muka, Jona unamate. (x4)
Vakazokanda mujenya,
Jona ndokubatwa nayo. (x4)
Vakamukanda mugungwa,
Zihove rakamuminya. (x4)
Mwari wakamuponesa
Jona ndokuzoterera. (x4)
Kana tisingatereri,
Zita raSHE rinomhurwa. (x4)
Nesu ngatimuterere,
Mwari uchatiponesa. (x4)
Muka Jona uterere. (x5)