Jesu ndiye SHE, inzwai!
Vanhu vose, chiimbai
Jesu ndiye SHE, inzwai!
Vanhu vose, chiimbai!
Jesu ndiye SHE, inzwai,
Vanhu vose, chiimbai!
Nhambo yozosvikapo
Yava Jesu SHE nayo.
Vanhu vose uchirai,
SHE wavashe rumbidzai!
Nyika dzose mutendei,
SHE mukuru mukudzei!
Namarudzi munzwewo:
SHE wavashe uripo!
Nyika dzose mutendei!
SHE mukuru mukudzei!
Namasango, chifarai!
Nemi zviwi, chiimbai!
Zvinhu zvose zvitiwo:
SHE wavashe uripo!