Hapana paasi.....ri
Wedenga Bambo SHE;
Bva posewo pati.....ri
Ndipo paari SHE!
Mirangariro yo.....se
Painokwirapo
Kum'soro pasi po.....se,
Wedenga uripo!
Hapana zvinhu zvo.....se
Zvinodarikwapo;
Vanomutenda vo.....se
Vachachengetwawo!
Mazana ezvishiri,
Nebundo nairo;
Nyanguvawo mako.....nye
Worinda zvose'zve.
Zviri munyika yo....se,
Zviri mumvurawo.
Nezvinofamba po.....se
Zviri mudengamo;
Zviumbwa zvake zvo....se
Uchazvinyimirei?
Mazuva ose o.....se
Zvinochengetwa sei!
Bva vana vaSHE
Ba.....mbo
Votaririrwawo;
Uri parudyi rwa.....vo,
Nokurubosweko.
Pavanoshayiwa si.....mba,
Panhamo dzosewo,
Nyanguvawo parufu
Wedenga uripo!