Avo vanotenda,
Pavanoungana;
Vanosirumbidza
Zita raJehova.
Ngatiimbe rudo,
Rudo rwaSHE Bambo;
Ndirwo rwatifadza
Ruchitipa Mwana.
Rudo rwaSHE Jesu,
Ndirwowo rukuru;
Pachigaro chedu
Wakafira isu.
Isu tichaimba
Rudowo rwoMweya;
Wakadzinga rima,
Wakationesa.
Vakashanangurwa
Pavondoungana,
Vachandoimbira
Zita raJehova.