Methodist Shona Hymn 208

Musi weSvondo waIShe
Tauona kakare;
Imba yenyu youtsvene
Taipinda kakare.

baba chipindai nesu,
Tinzwe kuti murimo;
Igoti nemwoyo yedu
Igamchire zwi renyu.

Tarirai nhumwa dzenyu
Mugodzisimbaradza;
Kuti nhasi dzitaure
Matama enyu oga.

Tandai zvinhu zvenhando
zvisatikanganise;
Tigonyatsokufungai,
Nemwoyo yedu yose.

Ratidzai kushaya kwedu,
Rudo netsitsi dzenyu
Kuti tizvikumbirire
Kuti tizadzwe nazvo.

Muvaropafadze vose
Vasipo pano nhasi.
Kuti vanhu venyu vose
Vawane rudo rwenyu.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.