Methodist Shona Hymn 2

Kudzai Mambo, ano utsvene,
Ari kudenga, ana masimba;
Ndiye nhowo yedu nekarekare
Anorumbidzwa pachigaro chake.

Imbai masimba, nengoni dzake,
wakafukidzwa nezvinopenya;
Hasha dzake dzose dzinotinhira,
Anofamba-famba pachamupupuri

Ana masimba, wakaisika
Nyika nezvose zviri mairi;
wakaitsigira nomurairo,
wakaikombera negungwa yose.

Kufudza kwenyu kusingarehwe,
Kuri pamhepo napakupenya,
Kuri pamakomo nepamakan’a,
Kuri pane mvura napane dova.

Isu venyika hatine simba.
Tinotarira chete kwamuri;
Tsitsi dzenyu dzose dzisingapere,
Musiki nehama nomununuri.

Muna masimba norudo rwose,
Ngirozi dzinokutunhidzai;
Nesu venyika tokutunhidzai,
Tokurumbidzai kusingapere.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.