Jesu asati wauya,
Wakavigwa kumeso,
Bva zvino tingamuone,
Pakumuka murufu.
KORASI
Tarisa-i kuna Jesu!
Tarisai Jesu Kristu!
Wakakunda zvinhu zvose,
Pakumuka murufu;
Wakakunda zvinhu zvose,
Pakumuka murufu.
Jesu ari kuna Baba,
Achitinamatira,
Wakakunda zvinhu zvose
Pakumuka murufu.
Vatumwa vomunamata,
Vanhu vozviita wo,
Ndiye Mudikanwa chose,
Pakumuka murufu.
Kupfuura nguva dzose,
Kudenga nokudzika,
She chete wandiponesa,
Pakumuka murufu.