Tora zita roM’ponesi,
Mwana unotambudzwa;
Rokufadzisa chokwadi,
Ritore pakuenda.
KORASI
Panyika, kudenga,
Izita rakanaka,
Panyika nokudenga,
Izita rakanaka.
Tora zita roM’ponesi,
Inhowo pakuedzwa;
Zviedzo zviri kwauri,
Nezita ’ro, teura.
Jesu, zita rakanaka,
Rinotisimbisazve;
Tinogam’chirwa nokuda,
Toimba nziyo dzake
Tichipfugama kwaari,
Tichiwira patsoka;
Toisa ngundu kwaari,
Rwendo rwedu rwapera.