Baptist Shona Hymn 200

Tendai Jesu nhas’ uno,
Tendai Jesu munhamo,
Kunyange munonetswa,
Tendai Jesu nesimba!

KORASI
Tendai Jesu muzvose,
Tendai Jesu mis’ yose,
Tendai Jesu mumwoyo,
Tendai Jesu nhas’ uno!

Anondisimbisa ’po,
Wonditungamira wo,
Saka handityi pano,
Tendai Jesu nhas’ uno.

Ndinoimba norudo,
Ndonamata munhamo,
Bva muzvinhu zvose ’po,
Tendai Jesu nhas’ uno.

Tenda-i muupenyu,
Tendai Jesu murufu,
Ipapo tichasvika
Kudenga, tigogara!

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.