Nyasha huru dzaJesu Kristu,
Nadzo zvivi zvinokundiwa;
Pam’chinjikwa She wakandipa
Nyasha huru dzokundinatsa.
KORASI
Nya.....-sha hu.......-ru,
(Nyasha huru, nyasha huru)
Dzine simba rokundinatsa;
Nya.....-sha hu.......-ru,
(Nyasha huru, nyasha huru)
Nadzo zvivi zvigokundiwa.
Zvivi zvangu zvinondinetsa;
Chiyiko chingazvichenese?
Tarisa kuna Jesu Kristu,
Nyasha dzake dzingakunatse.
Nyasha huru dzakanakisa,
Dzakapiwa kuna vatendi;
Imi munoda kuponeswa,
Tendai kunaShe soM’ponesi.