Pam’chinjikwa ndakaponeswa;
Pam’chinjikwa ndakanunurwa;
Jesu Krista wakandifira;
Ngatimukudzei.
KORASI
Ngatimukudzei,
Ngatimukudzei,
Jesu Kristu wakatifira,
Ngatimukudzei!
Ndakaponeswa naShe Jesu;
Wogara wo mumwoyo mangu;
Wakatobvisa zvivi zvangu;
Ngatimukudzei.
Ropa raShe rakandinatsa;
Ndapiwa wo rudo nesimba;
Zyino Ishe wondichengeta;
Ngatimukudzei.
Uya kunaShe ane simba;
Jesu achakukanganwira;
Rudo rwake ruchakuzadza;
Ngatimukudzei.