Ndianiko anonzwa dama raShe,
Fambisa-i nha-u kunyika dzose,
Paridzai kuvanhu kwose kwose,
Anoda ngaauye
KORASI
Uya-i zvino, uya-i zvino,
Inzwa-i matama oruponeso;
Baba wokudenga anoda vose,
Munhu wose auye.
Wose anouya, asanonoke,
Musuwo wazarurwa angapinde,
Jesu ndiye nzira chokwadi chete,
Anoda ngaauye
Ichokwadi, chivimbiso chaIshe,
Hachingapinduki kuvanhu vose,
Anopa upenyu husingaperi,
Anoda ngaauye.