Baptist Shona Hymn 108

Ndofamba naShe mazuva ose,
Chiedza chake chinopenya;
Jesu wakati, "Ndinewe kwose
Kwaunoenda pano apa."

KORASI
Mwenje yedenga, mwenje yedenga,
Inozadzisa mweya wangu!
Hareruya! Ndinorumbidza,
Ndakaponeswa; She ndowangu.

Kunyange Satan’ anondinetsa,
Jesu aneni misi yose;
Iye chiedza chenyika yose,
Ndichatevera mwenje yake.

Kunyange rufu ruchandibata,
Ndichatakurwa kudenga ’ko;
Asi mis’ yose pano panyika
Ndichamukudza nomufaro!

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.