Mwari ngaakudzwe—waita zvose,
Wakada nyika seyi, wakapa mwana;
Wakazvipira kuripira zvivi,
Wakazarura musuwo, tipinde.
KORASI
Kudzai She, kudzai She,
Nyika inzwai shoko,
Kudzai She, kudzai She,
Vanhu fara-i wo;
Uyai kuna Baba muna Jesu She,
Mumupe kukudza, waita zvose.
Ruponeso kwarwo, mutengo, ropa,
Vatendi vakaruvimbiswa naShe,
Mutadzi mukuru, kana watenda,
Ipapo, anosunungurwa naye.
Wakatidzidzisa zvinhu zvikuru,
Muna Jesu rufaro rwakakura,
Asi chishamiso chedu chikuru,
Chichakunda, kana taona Jesu.