Baptist Shona Hymn 95

Murapi mukuru, Jesu,
Ari pedyo netsitsi;
Anotifadza zvikuru,
Inzwazve Muponesi.

KORASI
Rwiyo rwakanakisa
Zita rakanakisa,
Rumbo rwakanakisa
Jesu, ndiye, Jesu.

Woregerwa zvakaipa,
Inzwa izwi raJesu;
Chienda zvako kudenga,
Uchagadzwa naJesu.

Ngaritendwe wo Gwaiana,
Zvino ndom’tenda Jesu;
Zita rake, ndinorida,
Ndoda zita raJesu.

Kutya kwangu kwaparadzwa,
Nezita rake chete;
Mweya wangu unofara
NaJesu, zita rake,

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.