Mufudzi wangu ndiJesu,
Anondivatisa,
Anondipa zvinhu zvose,
Zvakanaka chose.
Jesu anondifambisa,
Mukururama wo,
Mwoyo wangu unofara
Munzira yake ’po.
Kunyange ndinofamba wo,
Munzira yorufu,
Handityi mukati mazvo,
Nokuti aneni!
Wakandigadzirira ’po,
Tafura pamberi
Pavavengi vangu pano,
Timukudze zvino.
Ndichagara naJehova,
Mazuva ose ’ko,
Asi zvino ndoteverwa
Netsitsi norudo.