Hakuna mumwe saJesu Ishe,
Halcuna mumwe 'po;
Mumwe angatiponese, here?
Hakuna mumwe 'po.
KORASI
She chete angatiponese,
She woga angatinatse,
Hakuna mumwe saJesu Ishe,
Hakuna mumwe ’po.
Hakuna mumwe mutsvene saShe,
Hakuna mumwe 'po,
Kana munyoro woita sa’ye,
Hakuna mumwe 'po.
Hakuna wo angatichengete,
Hakuna mumwe ’po,
Mumwe angasare nesu, here?
Hakuna mumwe ’po.
Mumwe angakunde Satan’, here?
Hakuna mumwe ’po,
Hakuna mumwe angazviite,
Hakuna mumwe 'po.
Hakuna wo angabvise zvivi,
Hakuna mumve ’po,
Iye woga ari Mununuri,
Hakuna mumwe ’po.