Nyika yose yakabatwa nezvivi,
Chiedza chaShe chiripo,
Chivenekere kuna vanhu vose,
Chiedza chaShe chiripo.
KORASI
Uyai kuna Jesu Kristu She,
Muchapiwa rufaro rwake,
Zvivi zvangu zvabviswa naye,
Chiedza chaShe chiripo.
Muna Jesu Kristu tinobatsirwa,
Chiedza chaShe chiripo,
Uyai kuna Jesu; muchaponeswa,
Chiedza chaShe chiripo.
Vose vanofamba murima zvino,
Chiedza chaShe chiripo,
Uyai kuna Jesu; muchapiwa wo,
Chiedza chaShe chiripo.
Kudenga tichakudza Jesu uko,
Chiedza chaShe chiriko,
Ngatizivisei vanhu vose pano,
Chiedza chaShe chiripo.