Anglican Shona Hymn 182

1. SHAMWARI wavacheche
Uriyo Kudenga,
Shamwari uno rudo
Rune simba rese;
Shamwari pasi pano
Hadzitibatsiri,
Shamwari kwaye ndiye
Kristu Tenzi wedu.


2. Zororo ravacheche
Ririyo Kudenga,
Kunaivo vanoda
Muponisi wavo;
Nzvimbo isine nyatwa
Isine zvitadzo
Vanhu vaKristu vese
Vachazorora’yo


3. Kumusha wavacheche
Kuriyo Kudenga,
Jesu anopenyisa
Uyo musha wese;
Misha yepasi pano
Haitifadziba,
Kumusha woKudenga
Vanofara kwazvo.


4. Zviremba zvavacheche
Zviriyo Kudenga,
Vanhu vese vaJesu
Vachazvigashira;
Zviremba zvichapiwa
NdiShamwari wedu
Kunavo vanomuda
Zvino pasi pano.


5. Chiimbo chavacheche
Chiriyo kudenga,
Rwiyo rusingagumi
Rwakanakisawo;
Vapwere voKudenga
Vanomuimbira
Muponisi wavana
Kristu Tenzi wavo.


6. Minanzi yavacheche
Iriyo Kudenga,
Nenguvo dzokufara,
Michindwi yembiri.
Kristu ndiye anazvo
Achavapa vana,
Tenzi ngative newe
Tikudise uko.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.