Anglican Shona Hymn 223

1. NGUVA yakakomborerwa
Misi yavatsvene,
Tatondera Vamatari,
Tafarira vese.


2. Vakaita zvishamiso,
Vakava nesimba,
Isu ngativirikidze
Zvino, nhambwe dzese.


3. Vakava noRudaviro,
Tariro noRudo;
Vakashora mwoto, Pfumo
Vasingatyi kufa.


4. Kufa, guva zvakapera
Zvino vakapiwa
Tuso ravo navatsvene,
Nengerosi dzese.


5. Zvino vanogara zvavo
Vachiona Tenzi,
Varikutikumbira
Tsitsi dzokukunda.


6. Kurwa kwedu kuchapera
Basa richaguma
Tese ngetikudze Mwari
Navatsvene vese

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.