1. JESU ari mupenyu
Ndizvo kufa hatikutyi
Ngeizvi tinoziva
Hatisungwi zvino ndiko.
Areruya!
2. Jesu ari mupenyu
Kare rufu rwaityisa
Asi tichanyaradzwa
Pazambara roupenyu.
3. Jesu ari mupenyu
Wakafira isu tose;
Takachenurwa ndiye,
Tese ngatimutunhidze.
4. Jesu ari mupenyu
Anodisa vanhu vake
Muupenyu norufu
Ari petyo panaivo
5. Jesu ari mupenyu
Anotonga zviro zvese;
Tingasvike kudenga
Kumuona nokufara.