IYE wakafira vanhu
Achadzika ane mbiri
Vatsvene vakafa vese
Vachauya naye Mambo
Areruya,
Kristu achadzikazve.
Vanhu vese vachaona
Mbiri yake inotyisa.
Avo vakamutengisa,
Nokubaya Tenzi wavo,
Vachachema,
Vachazoona Mambo
.
Madzvadzi enhamo yake
Achaonwa ane mbiri;
Achakudzwa nguva dzese,
Ndivo vakaponiswa.
Vachafara,
Kuona Muponisi.
Ngatikuombere tese
Pachigaro choumambo,
Kristu tora simba rese
Tonga pasi narini.
Areruya,
Mambo wezviro zvese.