Anglican Shona Hymn 234

1. IWE Mwoyo pakuneta
Kudza Mwari; uringise
Apo Vanoyera vese
Vanomira vane mbiri.
Ndizvo tenda Mwari wavo
Iye wakavapa simba.


2. Tenda Mwari ndiMaria
Anopinda vanhu vese
Mukuchena nokuyera.
Mukwazise seNgerosi
Reva kuti: “Mai wedu
Iwe wakakomborerwa.”


3. Tenda Mwari NdiJohane
Munyai waTenzi wedu.
Tendawo ngeVapostori
Vakakudzwa pasi pese,
Nehondo dzaVamatari
Dzakamutambudzikira.


4. Tenda Mwari ngeMhandara
Dzakachena, dzine simba:
Mboo dzakashinga kwazvo,
Vadzidzisi, Vadzibaba,
Vadzimai vanoyera
Vakachengeta varwere.


5. Tenda Mwari ngevapwere,
Tusikana, tukomana
Twakasvika ngekufara
Kune musha wokudenga
Apo vese vanoimba
Mbiri kuna Mwari wavo.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.