Just As I Am Without One Plea
1. Sezvandakadai, Jesu
Ndisina chinhu pachangu
Makafira m’towo wangu;
Gwayana raShe ndouya
2. Sezvandakadai, Ishe
Kuzvinatsa, handigone,
Ndimi mungandishambidze;
Gwayana raShe, ndouya.
3. Sezvandakadai, Jesu
Handizive nzira yangu;
Nokukahadzika kwangu
Gwayana raShe ndouya.
4. Sezvandakadai, Ishe
Ndiri bofu, ndiri rombe,
Sezvandinoshaya zvose,
Gwayana raShe, ndouya
5. Sezvandakadai, Ishe
Ndimi mungandigam’chire,
Moita ndiregerwe;
Gwayana raShe, ndouya
6. Sezvandakadai, Jesu
Norudo rwenyu rukuru
Ndiri wenyu, muri wangu;
Gwayana raShe, ndouya.