I Stand All Bewildered
1. Ndinomira ndichishamiswa
Kuona gungwa rorudo,
Rokwidibira mweya wangu,
Sorunyararo rwenjiva.
Muchinjikwa wakwidibira
Zvakaipa zvangu zvose,
Ndovimba naJesu nazvose,
Ndinoita kuda kwake.
2. Ndorwisa kuti nditore
Simba rokusunungurwa;
Asi pandakaguma kurwa,
Jesu wakandinyaradza.
3. Wakandibata, ndikapona,
Mukurwadzwa kwangu kwose.
Ndakabata hanzu yaJesu,
Mweya wangu ukapenya.
4. Ishe worugare wopfuura,
Uso hwangu hwovhenekwa;
Asi, inzwa, anotaura:
“Ndokupa rugare rwangu.”
W.F. Crafts