Ten Thousand Souls,
Zviuru zvizhinji, zhinji
Zviri muUmambo;
Zvavo vakapinda, asi
Vamwe vane nzvimbo.
1.
Uya, uya enda neni
Kunzvimbo yokufara;
Uchazopiwa upenyu
Husingazoperi.
Kune nzvimbo yezvirema,
Pamwe navatadzi;
Jesu wakaita izvi
Ari paMchinjikwa.
2.
Kune nzvimbo yomutadzi
Asingambotendi;
‘She wakaponisa mubi,
Achakuponisa.
3.
Navo vanotsvaka nzira
Kuti vanyaradzwe;
Ngavazive kuti Kristu
Angavanunure.
4.
Neniwo, ndine chokwadi
Kuti ndine nzvimbo;
Naizvozvo ndichaimba
Nezvoruponiso.
5.