Jesu achatonga kwese
Kunovhenekera zuva;
Ushe hwake huchagara,
Dakara rinhi narinhi.
1.
Marudzi ose evanhu
Anoimba rudo rwake;
Nawo mazwi avadiki,
Anokudza zita rake.
2.
Anawo makomborero,
Vasungwa vanonunurwa;
Vakaneta vozorodzwa,
Varombo vokomborerwa.
3.
Paanoratidza simba
Kurapa hapana rufu;
Maari vanhu vowana
Makomborero mazhinji.
4.
Zvisikwa zvose zviunze
Rukudzo kuna ‘She Mambo,
Ngirozi dziburukire
Dziimbe pamwe nenyika.
5.