Wakambonzwa nyaya here?
Yomwana weBeterehem,
Nengirozi akakudzwa
Pamwe navachenjeri;
Akadzidzisa vakuru
Mutemberi kareko?
Ndinofara kukuudza:
Akadaro nanhasi.
1.
Ndizvozvo, ndizvozvo
Akadaro nanhasi
Ndizvozvo, ndizvozvo.
Akadaro nanhasi
Wakambonzwa nyaya here?
Achifamba pagungwa,
Vadzidzivo vachinyudzwa
Nemvura yeGarari?
Masaisai emvura
Akaterera Tenzi.
Ndinofara kukuudza:
Akadaro nanhasi.
2.
Wakanzwa nyaya here?
Ari muGetsimani;
Nenyaya inofadzisa
Achifira pamuti;
Neminzwa pamhanza yake,
Mweya wake waenda?
Akaitira iwe:
Akadaro nanhasi.
3.
Wakanzwa nyaya yaJesu
Akavigwa muguva!
Navadzidzi, akachemwa,
Nenhamo vakungudzwa?
Asi muri Mwari samasimba,
Akamuka paIsita,
Ndiye ruponeso rwedu:
Akadaro nanhasi.
4.
S.Z Kaufman(verses 1-3)
Gordon Taylor(Verse4)