I Serve A Risen Saviour
Ndoshandira M’ponisi,
Mupenyu munyika;
Ndoziva akamuka,
Vamwe vacharamba;
Ruoko runetsitsi,
Ndonzwa izwi rake,
Nguva yondomudana
Ari pedyo.
1.
Ari M’penyu , ari M’penyu Jesu,
Iye anofamba neni
Murwendo rwo’penyu
Ari M’penyu kuponisa vanhu,
Ndinoziva izvi sei?
Mupenyu mandiri.
Munyika yandigere
Inorudo rwake;
Kana mwoyo waneta
Nganditsungirire;
Wonditungamirira
Kana kwovhuvhuta,
Zuva raachadzoka
Richasvika.
2.
Faraiwo vaKristu
Imbai nezwi renyu
Muchiti: ‘Hareruya!
Kuna Jesu Kristu;
Tariro yavatsvaki,
Anovayamura,
Rudo rwake rwokunda,
Anomutsa.
3.