Tasva padhongi saMambo!
Inzwa voimba, Hosana!
Dhongi rofamba, munzira
M’chindwe akawaridzirwa.
1.
Tasva padhongi saMambo!
Uende zvako kunofa;
Kristu, kukunda kwatanga
Murufu nomuzvitadzo.
2.
Tasva padhongi saMambo!
Ngirozi dzose dzedenga
Dzotarisa, dzoshamiswa,
Kuona anozvipira.
3.
Tasva padhongi saMambo!
Kurwa kukuru kwasvika;
Baba ari pachigaro
Woona muzodzwa wake.
4.
Tasva padhongi saMambo!
Uende zvako kunofa;
Kotama pakurwadziwa,
Chitora simba, utonge.
5.
UYAI MU NE IYE M’PONISI
O